Genesisi 30:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ipapo Rea akati, “Makorokoto! Zvaita zvakanaka.” Saka akamutumidza zita rokuti Gadhi.

12. Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.

13. Ipapo Rea akati, “Mufaroi wandinawo! Vakadzi vachati mufaro kwandiri.” Saka akamutumidza zita rokuti Asheri.

Genesisi 30