Genesisi 28:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Mangwanani akatevera Jakobho akatora dombo raakanga akatsamira akarimisa sembiru akadururira mafuta pamusoro paro.

19. Akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bheteri, kunyange zvazvo guta iro raimbonzi Ruzi.

20. Ipapo Jakobho akaita mhiko, akati, “Kana Mwari akava neni uye akandichengeta parwendo urwu rwandiri kufamba uye akandipa zvokudya kuti ndidye nenguo dzokupfeka

21. uye ndikadzoka zvakanaka kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha achava Mwari wangu

22. uye dombo iri randamisa sembiru richava imba yaMwari, uye pane zvose zvamuchandipa ndichakupai chegumi.”

Genesisi 28