Genesisi 28:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Saka Isaka akadana Jakobho uye akamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani.

2. Kurumidza uende kuPadhani Aramu kuimba yaBhetueri baba vamai vako. Uzvitorere mukadzi ikoko, kubva pakati pavanasikana vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.

3. Mwari Wamasimba Ose ngaakuropafadze uye aite kuti ubereke uye akuitei vazhinji kusvikira mava marudzi mazhinji.

Genesisi 28