Genesisi 27:22-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Jakobho akaswedera kuna baba vake Isaka, iye akamubata akati, “Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.”

23. Haana kugona kumuziva, nokuti maoko ake aiva nemvere dzakaita sedzomukoma wake Esau; saka akamuropafadza.

24. Akati ndiwe mwanakomana wangu “Esau chaiye here?”Akapindura akati, “Ndini.”

25. Ipapo akati, “Mwanakomana wangu, ndipe nyama yako yemhuka ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu.” Jakobho akaiisa kwaari uye akadya; uye akauya newaini iye akanwa.

26. Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, “Uya pano mwanakomana wangu unditsvode.”

27. Saka akaenda kwaari uye iye akamutsvoda. Isaka akati anzwa kunhuwira kwenguwo dzake akamuropafadza achiti,“Haiwa kunhuwira kwomwanakomana wangu kwakaita sokunhuwira kwesango raropafadzwa naJehovha.

28. Mwari ngaakupe dova rokudenga noupfumi hwenyika, zviyo zvakawanda newaini itsva.

29. Ndudzi ngadzikushumire uye marudzi akupfugamire. Uve ishe wehama dzako, uye vanakomana vamai vako vakupfugamire. Vaya vanokutuka ngavatukwe uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe.”

30. Shure kwokunge Isaka apedza kumuropafadza uye Jakobho achangobva pamberi pababa vake, mukoma wake Esau akasvika achibva kundovhima.

31. Naiyewo akagadzira nyama inonaka akauya nayo kuna baba vake. Ipapo akati kwavari, “Baba vangu, mukai mudye nyama yangu yemhuka, kuti mugondipa maropafadzo.”

32. Baba vake Isaka vakamubvunza vakati, “Ndiwe aniko?” Akapindura akati, “Ndini Esau mwanakomana wenyu wedangwe.”

33. Isaka akadedera nehasha akati, “Ndianiko zvino, avhima mhuka akauya nayo kwandiri? Ndaidya iwe uchigere kusvika uye ndamuropafadza, uye zvirokwazvo acharopafadzwa!”

Genesisi 27