12. Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.”
13. Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondohwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo uye akatora gondohwe akaribayira sechipiriso chinopiswa.
14. Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”
15. Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri
16. akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga,
17. zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo,
18. uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.”
19. Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, uye vakasimuka vose pamwe chete vakaenda Bheerishebha.
20. Shure kwaizvozvo, Abhurahama akanzwa kuti, “Mirika ava maiwo; akaberekera munun'una wako Nahori vanakomana vanoti:
21. Uzi dangwe, Bhuzi munun'una wake, Kemueri (baba vaAramu),
22. Kesedhi, Hazo, Piridhashi, Jidhirafi naBhetueri.”