Genesisi 21:14-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha.

15. Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi.

16. Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema.

17. Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo.

18. Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”

19. Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe.

20. Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta.

21. Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti.

22. Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita.

23. Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.”

24. Abhurahama akati, “Ndinopika.”

25. Ipapo Abhurahama akagunun'una kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki.

26. Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.”

Genesisi 21