Genesisi 10:20-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ava ndivo vanakomana vaHamu nedzimba dzavo uye nemitauro yavo, munyika dzavo nendudzi dzavo.

21. Shemu akaberekerwawo vanakomana, mukoma wake akanga ari Jafeti; Shemu akanga ari tateguru wavanakomana vose vaEbheri.

22. Vanakomana vaShemu vaiti: Eramu, Ashuri, Afakisadhi, Rudhi naAramu.

23. Vanakomana vaAramu vaiti: Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

24. Afakisadhi akanga ari baba vaShera, uye Shera ari baba vaEbheri.

25. Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri: Mumwe ainzi Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake rainzi Jokitani.

26. Jokitani akanga ari baba va: Arimodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera,

27. Hadhoramu, Uzari, Dhikira,

28. Obhari, Abhimaeri, Shebha,

29. Ofiri, Havhita naJobhabhu. Vose ava vakanga vari vanakomana vaJokitani.

Genesisi 10