Ezira 2:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;

9. zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;

10. zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;

11. zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;

12. zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri namaviri;

13. zvaAdhorikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;

14. zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu;

15. zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;

16. zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;

Ezira 2