40. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.
41. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.
42. Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43. Vashandi vomutemberi:
44. zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni,
45. zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi,
46. zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani,
47. zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya,
48. zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami,
49. zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai,
50. zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi,
51. zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri,
52. zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha,
53. zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema,
54. zvaNezia uye nezvaHatifa.
55. Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,
56. zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,
57. zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.
58. Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
59. Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzi-baba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:
60. Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.