34. veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;
35. veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
36. Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
37. zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
38. zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
39. zvaHarimi zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.
40. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.