Ezira 2:31-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;

32. veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri;

33. veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu;

34. veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;

35. veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.

36. Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;

37. zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;

38. zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;

39. zvaHarimi zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.

40. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.

Ezira 2