22. veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;
23. veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;
24. veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;
25. veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;
26. veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
27. veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri;
28. veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
29. veNebho vaiva makumi mashanu navaviri;
30. veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu;