Ezira 2:15-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;

16. zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;

17. zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu;

18. zvaJora zvaiva zana negumi navaviri;

19. zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;

20. zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu;

21. varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu;

22. veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;

23. veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;

24. veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;

25. veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;

Ezira 2