Ezekieri 46:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira.

10. Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo.

11. “ ‘Pamitambo napamitambo yakatarwa, chipiriso chezviyo chinofanira kuita efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondohwe, uye namakwayana sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.

12. Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.

Ezekieri 46