Ezekieri 44:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa.

2. Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri:

3. Muchinda pachake ndiye chete angagara mukati mesuo kuti adye ari pamberi paJehovha. Anofanira kupinda nenzira yapabiravira resuo agobuda nenzira imwe cheteyo.”

4. Ipapo murume uyu akandiuyisa nenzira yesuo rokumusoro nechemberi kwetemberi. Ndakatarisa ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza temberi yaJehovha, ndikawira pasi nechiso changu.

5. Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, nyatsoteerera uye unzwisise zvinhu zvose zvandinokuudza maererano nemitemo yose yetemberi yaJehovha. Ucherechedze panopindwa napo mutemberi uye napanobudiwa napo panzvimbo tsvene.

6. Uti kuimba inondimukira yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nhai imba yaIsraeri, chigutsikanai nezvinonyangadza zvamunoita!

7. Pamusoro pezvinonyangadza zvamakaita, makapinza vatorwa vasina kudzingiswa pamwoyo napanyama munzvimbo yangu tsvene, muchizvidza temberi yangu muchindipa zvokudya, mafuta neropa, uye makaputsa sungano yangu.

8. Pachinzvimbo chokuita mabasa enyu akafanira zvinhu zvangu zvitsvene, makagadza vamwe vanhu kuti vave vatariri venzvimbo yangu tsvene.

9. Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna mutorwa asina kudzingiswa pamwoyo napanyama angapinde munzvimbo yangu tsvene, kunyange vatorwa zvavo vagere pakati pavaIsraeri.

Ezekieri 44