Ezekieri 41:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Nzvimbo tsvene yokunze neNzvimbo Tsvenetsvene dzakanga dzina makonhi maviri maviri dzose.

24. Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa aitenderera maviri pamukova mumwe nomumwe.

25. Uye pamakonhi enzvimbo tsvene yokunze pakanga pana makerubhi akavezwa nemiti yemichindwe yakaita seiya yakavezerwa pamadziro, uye pakanga pane chikumbaridzo chakavezwa pamberi pebiravira.

Ezekieri 41