Imba yakatarisana noruvazhe rwetemberi nechokumavirira yaisvika makubhiti makumi manomwe paupamhi. Madziro eimba akanga ana makubhiti mashanu paukobvu kumativi ose, uye urefu hwawo hwaisvika makubhiti makumi mapfumbamwe.