Ezekieri 40:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, shure kwokuwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu uye akandiendesako.

2. Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yaIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta.

Ezekieri 40