Ezekieri 29:2-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti.

3. Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti, iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako. Iwe unoti, “Nairi ndorwangu; ndakazvigadzirira pachangu.”

4. Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako, uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako. Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako, nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.

5. Ndichakusiya mugwenga, iwe nehove dzose dzomuhova dzako. Uchawira pasi pabani pachena zvapo, uye haungaunganidzwi kana kunongwa. Ndichakupa sechokudya kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.

6. Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.

7. Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka uye ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.

8. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.

9. Ijipiti richava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”

Ezekieri 29