31. Wakafamba nenzira yomunun'una wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
32. “Zvanzi naIshe Jehovha: Uchanwa mukombe womukoma wako, mukombe mukuru wakadzika; uchakuvigira kusekwa nokumhurwa, nokuti une zvakawanda.
33. Uchazadzwa nokudhakwa nokusuwa, mukombe wokuparadza nokuputsa, mukombe womukoma wako Samaria.
34. Uchanwa zvokupedza kuti tsvai; uchauputsa ukava zvaenga uye uchacheka mazamu ako. Ndini ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
35. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirashira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.”
36. Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu unganditongerewo Ohora naOhoribha here? Ipapo uvazivise zvinonyangadza zvavanoita,
37. nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo.