Ezekieri 18:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Munoreveiko vanhu imi zvamunotaura tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, uye meno avana akaita ugugu’?

3. “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazotaurizve tsumo iyi muIsraeri.

4. Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. Mweya unotadza ndiwo uchafa.

Ezekieri 18