Ezekieri 12:19-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye munyika yaIsraeri kuti: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya nokunwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo.

20. Maguta anogarwa navanhu achaitwa ndongo uye nyika ichaparadzwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

21. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

22. “Mwanakomana womunhu, chirevo ichi chamunacho munyika yaIsraeri ndecheiko chinoti, ‘Mazuva ari kungopera uye zviratidzo zvose zvinongova pasina?’

23. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe.

24. Nokuti hakuchazovizve nezviratidzo zvenhema kana kuvuka kunobata kumeso pakati pavanhu veIsraeri.

25. Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

26. Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,

27. “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri iri kuti, ‘Chiratidzo chaanoona ndechamakore mazhinji kubva iye zvino, uye anoprofita zvenguva inouya zviri kure.’

28. “Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna shoko rangu richanonokazve; zvose zvandinoreva zvichazadzisika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Ezekieri 12