Ezekieri 12:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ndichamutambanudzira mumbure wangu, uye achabatwa mumusungo wangu; ndichamuendesa kuBhabhironi, nyika yavaKaradhea, asi haasi kuzoiona, uye ikoko ndiko kwaachafira.

14. Ndichaparadzira kumhepo vose vakamupoteredza, vashandiri vake namauto ake, uye ndichavateverera nomunondo wakavhomorwa.

15. “Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavaparadzira pakati pendudzi nokuvaparadzira kunyika dzose.

16. Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Ezekieri 12