Ezekieri 10:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvandakanga ndaona pasi paMwari waIsraeri paRwizi rweKebha, uye ndikaziva kuti akanga ari makerubhi.

21. Rimwe nerimwe rakanga rine zviso zvina namapapiro mana, uye pasi pamapapiro awo pakanga pane zvairatidzika samaoko omunhu.

22. Zviso zvawo zvakanga zvichitaridzika sezviya zvandakanga ndamboona paRwizi rweKebha. Chimwe nechimwe chaifamba chakananga mberi.

Ezekieri 10