Ekisodho 37:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia, yakareba makubhiti maviri nehafua, kubhiti rimwe nehafub paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.

2. Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza.

3. Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi.

4. Ipapo akaita mapango omuti womuakasia uye akaafukidza negoridhe.

5. Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.

6. Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafuc pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafud paupamhi.

7. Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.

8. Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro.

9. Mapapiro amakerubhi akanga akabatanidzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.

10. Vakagadzira tafura namatanda omuakasia, yakareba makubhiti mavirie, uye kubhiti rimwe chetef paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafug pakukwirira.

11. Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza.

Ekisodho 37