Ekisodho 36:15-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Zvidzitiro zvose zviri gumi nechimwe zvakanga zvakaenzana, makubhiti makumi matatuc pakureba uye makubhiti manad paupamhi.

16. Vakabatanidza zvidzitiro zvishanu pamwe chete kuti zvive mubatanidzwa mumwe chete, uye zvimwe zvitanhatu kuti zvive pamwe chete.

17. Ipapo vakaita zvishwe makumi mashanu zvaitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muchibatanidzwa chimwe chete uyewo zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muno mumwe mubatanidzwa.

18. Vakaita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu kuti zvisunganidze tende pamwe chete zvive sechinhu chimwe chete.

19. Ipapo vakagadzirira tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku, uye pamusoro pacho chifunhiro chamatehwe emombe dzomugungwa.

20. Vakaita mapuranga akamiswa amatanda omuakasia etabhenakeri.

21. Puranga rimwe nerimwe rakanga rakareba makubhiti gumie uye kubhiti rimwe nehafuf paupamhi,

22. nembambo mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Vakaita mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyi.

23. Vakaita mapuranga makumi maviri kurutivi rwezasi kwetabhenakeri

24. uye vakaita makumi mana ezvigadziko zvesirivha kuti zviende pasi pazvo, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe.

25. Kuno rumwe rutivi, rutivi rwokumusoro kwetabhenakeri, vakaita mapuranga makumi maviri

26. uye makumi mana ezvigadziko zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

27. Vakaita mapuranga matanhatu okumucheto cheto, iko kumavirira kwetabhenakeri,

28. uye mapuranga maviri akanga akagadzirirwa makona etabhanakeri nechokumucheto cheto.

29. Pamakona maviri aya mapuranga aiva maviri kubva pasi kusvikira kumusoro uye akaiswa mumhete imwe chete; ose akanga akagadzirwa zvakafanana.

30. Saka pakanga pana mapuranga masere uye zvigadziko gumi nezvitanhatu zvesirivha, zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.

Ekisodho 36