Ekisodho 32:33-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Jehovha akapindura Mozisi akati, “Ani naani anenge atadzirana neni ndichamudzima mubhuku rangu.

34. Zvino chienda, tungamirira vanhu kunzvimbo yandakataura nezvayo, uye mutumwa wangu achakutungamirirai. Kunyange zvakadaro, nguva yokuti ndirange painosvika, ndichavaranga nokuda kwechivi chavo.”

35. Uye Jehovha akarova vanhu nedenda nokuda kwezvavakaita nemhuru yakaitwa naAroni.

Ekisodho 32