Ekisodho 12:47-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

47. Ungano yose yeIsraeri inofanira kuipemberera.

48. “Mutorwa wose agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kudzingisa varume vose vari mumba make; ipapo achadya hake somunhu akaberekerwa munyika imomo. Murume asina kudzingiswa haafaniri kuidya.

49. Murayiro mumwe chete iwoyo unobata kuna vose vakaberekerwa munyika imomo nokumutorwa agere pakati penyu.”

50. VaIsraeri vose vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni.

51. Uye pazuva racho iroro Jehovha akabudisa vaIsraeri kubva muIjipiti namapoka avo.

Ekisodho 12