4. Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.”
5. Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
6. Akamuviga muMoabhu, mumipata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake.
7. Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera.
8. VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera.
9. Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.