Dhuteronomi 28:38-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. Uchadyara mbeu yakawanda mumunda mako asi uchakohwa zvishoma, nokuti zvichaparadzwa nemhashu.

39. Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yacho kana kutanha mazambiringa acho, nokuti achadyiwa namakonye.

40. Muchava nemiti yemiorivhi munyika yenyu yose asi haungashandisi mafuta acho, nokuti miorivhi yako ichazuka.

41. Uchabereka vanakomana navanasikana asi haungavachengeti, nokuti vachaenda muutapwa.

42. Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvose zvichadyiwa nemhashu.

43. Mutorwa anogara pakati penyu acharamba achibudirira kupfuura iwe, asi iwe ucharamba uchidzikira pasi pasi.

44. Achakukweretesa, asi iwe haungamukweretesi. Iye achava musoro asi iwe uchava muswe.

45. Kutukwa kwose uku kuchauya pamusoro pako. Vachakutevera vagokubata kusvikira vakuparadza, nokuti hauna kuteerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro nemitemo yake yaakakupai.

46. Ivo vachava chiratidzo nechishamiso kwamuri uye nokuvana venyu nokusingaperi.

47. Nokuti hamuna kushumira Jehovha Mwari wenyu nomufaro nokupembera panguva yokubudirira,

48. naizvozvo munzara nenyota, mukushama nomuurombo hwakaipisisa, muchashandira vavengi vakatumwa naJehovha kuzokurwisai. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza.

49. Jehovha achauyisa rudzi kubva kure kuzokurwisai, kubva kumigumo yenyika, segondo rinobhururuka, rudzi rune mutauro wamusinganzwisisi,

50. rudzi runotyisa kutarisa rusingakudzi vatana kana kunzwira tsitsi vaduku.

51. Vachaparadza zvibereko zvezvipfuwo zvenyu nezvirimwa zveminda yenyu kusvikira maparadzwa. Havangakusiyirii kana zviyo, waini itsva kana mafuta, kunyange mhuru dzemhou dzenyu kana makwayana amakwai enyu kusvikira maparadzwa.

52. Vachakomba maguta ose munyika yenyu yose kusvikira masvingo marefu amunovimba nawo awira pasi. Vachakomba maguta ose ari munyika yenyu yose yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.

Dhuteronomi 28