Dhuteronomi 14:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Imi muri vana vaJehovha Mwari wenyu. Musazvicheka kana kuzviveura pamberi pomusoro muchiitira vakafa,

2. nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Jehovha akakutsaurai kubva pakati pendudzi dzose dziri panyika kuti muve rudzi rwake runokosha.

3. Musadya chinhu chipi zvacho chinonyangadza.

4. Idzi ndidzo mhuka dzamungadya: mombe, hwai, mbudzi,

5. nondo, mhara, mhembwe, ngururu, mharapara, nyati nehwai yomugomo.

6. Mungadya henyu mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana kuita maviri uye inodzeya.

7. Zvisinei, pane idzo dzinodzeya kana dzina mahwanda akaparadzana, mahwanda akanyatsoparadzana, hamufaniri kudya ngamera, tsuro kana mbira. Kunyange zvazvo dzichidzeya hadzina mahwanda akaparadzana; hadzina kuchena kwamuri.

8. Nguruvewo haina kuchena; kunyange zvayo ina mahwanda akaparadzana, haidzeyi. Hamufaniri kudya nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo.

9. Pazvipuka zvose zvinogara mumvura, mungadya henyu zvose zvine zvimbi namakwande.

10. Asi chipi nechipi zvacho chisina zvimbi namakwande hamufaniri kudya; nokuti hachina kuchena.

11. Mungadya henyu shiri ipi neipi yakachena.

12. Asi dzamusingafaniri kudya ndeidzi: gondo, gora, gora dema,

13. njerere tsvuku, njerere nhema, rukodzi namarudzi arwo,

14. gunguwo namarudzi aro ose,

15. zizi renyanga, kazizimbori, shiri yegungwa, namarudzi ose eruvangu,

16. zizi duku, zizi guru, zizi jena,

Dhuteronomi 14