1. Zvino kana muprofita, kana muuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo,
2. zvino kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, zvino iye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,”
3. hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
4. NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.
5. Muprofita kana muroti uyo anofanira kuurayiwa, nokuti akaparidza kumukira Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda; akaedza kukutsausai kubva panzira yaJehovha Mwari wenyu yamakarayirwa kuti muitevere. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
6. Kana hama yako chaiyo, kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo ikauya kuzokutsausa muchivande, ichiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva iwe kana madzibaba ako,
7. vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, kunyange vari pedyo kana vari kure, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe rutivi rwenyika),
8. usatenda zvaanotaura kana kumuteerera. Usamunzwira tsitsi. Usamurega ari mupenyu kana kumudzivirira.
9. Unotofanira kumuuraya zvirokwazvo. Ruoko rwako ndirwo runofanira kutanga kumuuraya, zvino maoko avamwe vanhu ozotevera pakumuuraya.
10. Mutake namabwe afe, nokuti akaedza kukutsausa kubva kuna Jehovha Mwari wako, uyo akakubudisa muIjipiti, kubva munyika youranda.
11. Ipapo Israeri yose ichazvinzwa ikatya, uye hapana kana mumwe pakati penyu achazoita chinhu chakaipa kudaro zvakare.
12. Kana ukanzwa zvichitaurwa pamusoro perimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti mugaremo