1. Idai Jehovha Mwari wenyu uye muchengete zvaakatema, mitemo yake, nemirayiro yake uye nezvaakarayira, nguva dzose.
2. Murangarire nhasi kuti vana venyu havasivo vakaona nokuziva kuranga kwaJehovha Mwari wenyu: noukuru hwake, noruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa;
3. nezviratidzo zvaakaita uye zvinhu zvaakaita pakati peIjipiti, nokuna Faro mambo weIjipiti uye nokunyika yake yose;
4. zvaakaita kuhondo yavaIjipita, nokumabhiza nengoro dzayo, mafukidzirwo avakaitwa nemvura yomuGungwa Dzvuku pavakanga vachikuteverai, uye kuuyisa kwakaita Jehovha kuparadzwa pamusoro pavo zvachose.
5. Havasi vana venyu vakaona zvaakakuitirai murenje kusvikira masvika panzvimbo ino,
6. uye nezvaakaita kuna Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu muRubheni, apo nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza ivo nevedzimba dzavo, namatende avo nezvipenyu zvose zvakanga zviri zvavo, pakati pavaIsraeri vose.
7. Asi aiva meso enyu akaona zvinhu zvose izvi zvakaitwa naJehovha.
8. Naizvozvo chengetai mirayiro yose yandinokupai nhasi, kuti muve nesimba rokupinda nokutora nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mundoita yenyu,
9. uye kuti mazuva enyu ave mazhinji munyika iyo Jehovha akapikira kumadzitateguru enyu kuti achavapa ivo nezvizvarwa zvavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.
10. Nyika yamuri kupinda kundotora haina kufanana nenyika yeIjipiti, uko kwamakabva, uko kwamaidyara mbeu dzenyu muchidirira namakumbo sezvinoitwa mubindu romuriwo.
11. Asi nyika yamuri kuyambuka Jorodhani kundotora kuti ive yenyu inyika yamakomo nemipata zvinonwa mvura kubva kudenga.
12. Inyika inochengetwa naJehovha Mwari wenyu; meso aJehovha Mwari wenyu anoramba akaitarira kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwegore.
13. Saka kana mukateerera mirayiro yandinokupai nhasi makatendeka, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose,