Dhanieri 2:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi.

19. Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga

20. akati, “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperiperi; uchenjeri nesimba ndezvake.

Dhanieri 2