3. Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri, ipapo ndichavavhima ndigovabata. Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa, ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.
4. Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo, ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze. Ndichanan'anidza meso angu pavari kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”
5. Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, iye anobata nyika igonyungudika, navose vagere mairi vagochema, nyika yose inokwira seNairi, uye igoderera serwizi rweIjipiti,
6. iye anovaka muzinda wake kumatenga agomisa hwaro hwawo panyika, anodana mvura dzegungwa agodzidururira pamusoro penyika, Jehovha ndiro zita rake.