1. Savashandi pamwe chete naMwari tinokukurudzirai kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
2. Nokuti iye anoti,“Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu,uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.”Ndinokuudzai, zvino nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso.
3. Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa.
4. Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru; mumatambudziko; kuomerwa, uye nenhamo;
5. mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya;
6. mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi;