2 Vakorinde 2:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri.

5. Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda.

6. Kurova uku kwavanhu vazhinji kwakamuringana.

7. Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya.

2 Vakorinde 2