2 Samueri 23:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.

13. Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.

14. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.

2 Samueri 23