2 Samueri 22:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndinodana kuna Jehovha,iye anofanira kurumbidzwa,uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.

5. “Mafungu orufu akandikomba;mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.

6. Mabote eguva akandimonera;misungo yorufu yakandivinga.

7. Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;ndakadanidzira kuna Mwari wangu.Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

8. “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;dzakadedera nokuti akanga atsamwa.

9. Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;moto unoparadza wakabuda mumuromo make,mazimbe anopisa akapfutamo.

10. Akakamura matenga akaburuka pasi;makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.

11. Akatasva makerubhi akabhururuka;akabhururuka mudengadenga pamapapiro emhepo.

12. Akaita kuti rima rimupoteredze setende,iwo makore matema emvura yokudenga.

13. Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan'ana emheni akapenya.

14. Jehovha akatinhira ari kudenga;inzwi roWokumusoro-soro rakanzwikazve.

15. Akapfura miseve akaparadzira vavengi,mabhanan'ana emheni akavaparadza.

2 Samueri 22