Vakati vari padombo guru muGibheoni, Amasa akauya kuzosangana navo. Joabhu akanga akapfeka nguo yake yokurwa, uye pairi paiva nebhanire rakasungirwa pachiuno chake rine munondo waiva mumuhara wawo. Zvino akati achienda mberi, wakadonha kubva mumuhara wawo.