2 Samueri 17:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Regai ndisarudze varume zviuru gumi nezviviri ndigosimuka usiku huno nditevere Dhavhidhi.

2. Uye ndichamurwisa achakaneta uye asina simba. Ndichamutyisidzira, uye ipapo vanhu vose vaanavo vachatiza. Ndichauraya mambo chete.

3. Ndichadzosera vanhu vose kwamuri. Kufa kwomunhu wamunotsvaka kuchareva kudzoka kwavose; ipapo vanhu vose vachava norugare.”

4. Shoko iri rakafadza Abhusaromu navakuru vose veIsraeri.

2 Samueri 17