2 Samueri 16:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo Dhavhidhi navanhu vake vakaramba vachifamba nenzira, Shimei paakanga achifamba ari kuno rumwe rutivi rwegomo, achituka achingoenda achipotsera matombo kwaari achimupfumburira guruva.

14. Mambo navanhu vose vaiva naye vakasvika kwavaienda vaneta. Akazororapo.

15. Panguva iyi, Abhusaromu navarume vose veIsraeri vakasvika muJerusarema, uye Ahitoferi aiva naye.

16. Zvino Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuna Abhusaromu akandoti kwaari, “Mambo ngaararame nokusingaperi! Mambo ngaararame nokusingaperi!”

17. Abhusaromu akabvunza Hushai akati, “Urwu ndirwo rudo rwaunoratidza shamwari yako here? Sei usina kuenda neshamwari yako?”

18. Hushai akati kuna Abhusaromu, “Kwete, iye akasarudzwa naJehovha, navanhu ava uye navarume vose veIsraeri, ini ndichava wake, uye ndicharamba ndinaye.

19. Zvakarezve, ndingagoshandira aniko? Ko, handifaniri kushandira mwanakomana? Sezvandaishandira baba venyu, saizvozvo ndichakushandirai.”

20. Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?”

21. Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.”

22. Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachionai.

2 Samueri 16