4. Akavaka aritari mutemberi yaJehovha yakanga yanzi naJehovha, “Zita rangu richaramba riri muJerusarema nokusingaperi.”
5. Muzvivanze zvose zvetemberi yaJehovha akavaka aritari dzenyeredzi dzose dzedenga.
6. Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake.
7. Akatora chifananidzo chakavezwa chaakanga agadzira akachiisa mutemberi yaMwari, yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi ino nomuJerusarema randakasarudza kubva mumarudzi ose eIsraeri, ndichaisa Zita rangu nokusingaperi.
8. Handichatenderizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzibude munyika yandakavimbisa madzitateguru enyu. Kana chete vakachenjerera kuita zvose zvandakavarayira maererano nemirayiro yose, zvandakavarayira, mitemo, nezvandakatema zvakapiwa kubudikidza naMozisi.”