2 Makoronike 32:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. “Zvanzi naSenakeribhi mambo weAsiria: Munozvisimbisa neiko, kuti mungaramba muri muJerusarema rakakombwa?

11. Hezekia paanoti, ‘Jehovha Mwari wedu achatinunura kubva muruoko rwamambo weAsiria,’ ari kukureverai nhema kuti mufe nenzara nenyota.

12. Hezekia haana here kubvisa nzvimbo dzakakwirira dzamwari iyeyu nearitari achiti kuJudha neJerusarema, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe chete uye munofanira kubayira zvipiriso pairi’?

13. “Hamuzivi here zvandakaita namadzibaba angu kuvanhu vedzimwe nyika? Vamwari venyika idzodzo vakagona here kununura nyika yavo kubva muruoko rwangu?

14. Ndoupi mwari wenyika dzose dzakaparadzwa namadzibaba angu akagona kuponesa vanhu vake kubva kwandiri? Zvino mwari wenyu angagona sei kukununurai kubva muruoko rwangu?

15. Zvino musatendera Hezekia kuti akureverei nhema uye akutsausei zvakadai. Musamutende, nokuti hakuna mwari worudzi rupi kana umambo hupi zvahwo akagona kurwira vanhu vake kubva muruoko rwangu kana ruoko rwamadzibaba angu. Mwari wenyu achakundikana zvakadii kukurwirai kubva muruoko rwangu!”

16. Makurukota aSenakeribhi akataurazve zvimwe zvakawanda achishora Jehovha Mwari uye achipikisana naHezekia muranda wake.

17. Mambo akanyorazve tsamba achituka Jehovha, Mwari weIsraeri achitaura izvi pamusoro pake: “Sokukundikana kwavamwari vedzimwe nzvimbo kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu, saizvozvo mwari waHezekia achakundikana kununura vanhu vake kubva muruoko rwangu.”

2 Makoronike 32