2 Makoronike 3:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Mapapiro amakerubhi pamwe chete aisvika makubhiti makumi maviri pakureba kwawo. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanuf uye raibata madziro etemberi, rimwe bapiro rayo rakareba makubhiti mashanu richibata rimwe bapiro reimwe kerubhi.

12. Zvimwe chetezvo bapiro rimwe rekerubhi rechipiri rakanga rakareba makubhiti mashanu uye raibata mamwe madziro etemberi uye rimwe racho rakareba zvimwe chetezvo makubhiti mashanu richibata bapiro rekerubhi rokutanga.

13. Mapapiro amakerubhi aiva akareba makubhiti makumi maviri. Akanga akamira namakumbo awo, akatarisa kuimba huru.

2 Makoronike 3