15. “Zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake gorosi nebhari namafuta omuorivhi newaini zvamakavimbisa,
16. isu tichatema matanda ose kubva kuRebhanoni omuonde uye tichaaeredzesa pamagwa nemugungwa achidzika kusvika kuJopa. Munogona ipapo kuzoatora moaendesa kuJerusarema.”
17. Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva muIsraeri mushure mokuverengwa kwavanhu nababa vake Dhavhidhi; uye vakawanikwa vari zviuru zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
18. Akarayira zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamatombo uye zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo muzvikomo, uye zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri pamusoro pavo kuti vanhu varambe vachishanda.