2 Makoronike 19:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehoshafati mambo weJudha paakadzoka zvakanaka kumuzinda wake muJerusarema,

2. Jehu muoni, mwanakomana waHanani, akabuda kundosangana naye akati kuna mambo, “Mungabatsira here vanhu vakaipa uye mugoda avo vanovenga Jehovha? Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaJehovha kwava pamusoro penyu.

3. Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.”

2 Makoronike 19