1. Mugore ramakumi matatu namatanhatu rokutonga kwaAsa Bhaasha mambo weIsraeri akamukira Judha akandovakira Rama masvingo kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.
2. Ipapo Asa akatora sirivha negoridhe kubva mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nokubva mumuzinda wake akazvitumira kuna BheniHadhadhi mambo weAramu, uyo aitonga kuDhamasiko.
3. Akati, “Ngapave nechibvumirano pakati pangu nemi, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndiri kukutumirai sirivha negoridhe zvino putsai chibvumirano chako naBhaasha mambo waIsraeri kuti agobva kwandiri.”