16. Ipapo akakwira mungoro yake akaenda kuJezireeri, nokuti Joramu akanga akazorora ikoko uye Ahazia mambo weJudha akanga adzikako kuti andomuona.
17. Nharirire yakanga yakamira pamusoro peshongwe muJezireeri yakati ichiona varwi vaJehu vava kusvika, yakadanidzira ichiti, “Ndiri kuona varwi vari kuuya.” Joramu akamurayira akati, “Dana mutasvi webhiza. Mutume kuti anosangana navo agovabvunza kuti, ‘Muri kuuya norugare here?’ ”
18. Mutasvi webhiza akakwira kundosangana naJehu akati, “Zvanzi namambo, ‘Mauya norugare here?’ ” Jehu akapindura akati, “Uneiko iwe norugare?’ Tevera shure kwangu.” Nharirire yakazivisa kuti, “Nhume yasvika kwavari, asi haisi kudzoka.”
19. Saka mambo akatumazve mumwe mutasvi webhiza. Akati achisvika kwavari akati, “Zvanzi namambo ‘Mauya norugare here?’ ”