2 Madzimambo 6:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino boka ravaprofita rakati kuna Erisha, “Tarisai, nzvimbo yatinosangana nemi yatiitira diki kwazvo.

2. Ngatiendei kuJorodhani, mumwe nomumwe wedu andotora danda ikoko; uye tigozvivakira ikoko nzvimbo yokugara.” Iye akati, “Endai.”

3. Ipapo mumwe wavo akati, “Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?” Erisha akati, “Ndinoenda.”

4. Naizvozvo akaenda navo. Vakaenda kuJorodhani vakatanga kutema miti.

5. Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!”

6. Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo.

7. Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.

8. Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.”

9. Munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo weIsraeri achiti, “Chenjerai kuti murege kupfuura napanzvimbo iyo nokuti vaAramu vari kuburukirako.”

2 Madzimambo 6